Vatori venhau muguta reKwekwe musi wa 5 Chivabvu vakagamuchidzwa zvokushandisa kuzvidzivirira kuCovid-19 panguva yavanenge vachiita basa ravo. Zvokushandisa izvi , zvagamuchidzwa zvichibva kusangano reMISA Zimbabwe. Zvauya panguva iyo vatori venhau vanga vakatarisana nenjodzi huru yokutapukira chirwere cheCovid-19 panguva yavanenge vachiita basa ravo. Sachigaro veMISA Zimbabwe Kwekwe Advocacy vaKudakwashe Zvarayi vakati ivo ,zvidzviviriro izvi zvichabatsira zvikuru vatori venhau uye zvichaitawo kuti basa ravo rireruke. ‘’ Zvokushandisa izvi zviri kusanganisira ma Mask okupfeka kumeso , maGloves ,maSanitizer uye nehovhorosi yacho iyo inekangowani . Izvi zvakakosha zvikuru panguva ino ,vatori venhau vave kugona kushanda vakadziviririka.
Mumwe wevakagamuchidzwa zvokushandisa kuzvidzivirira va Marindire Tonderai vanoti ivo vatori venhau vazhinji vanga vasingakwanisi kuti vazvitengere zvidziviriro izvi nokuda kwekushaiwa mari
‘’vatori venhau vazhinji vari kuomerwa ,nokudaro vanokundikana kuti vawane zvokuzvidzivirira mukushanda basa ravo’’ vakadaro vaMarindire Chiitiko ichi chauyawo panguva apo vatori venhau pasi rose vari kupemberera zuva ravo reWorld Press Freedom Day iro rinopembererwa musi wa 3 Chivabvu. Gore rino dingindira raive ‘’kutapa nhau pasina kutya uye kusarerekera rutivi’’.
Vatori venhau pasi rose vanosangana nematambudziko makukutu mukuita basa ravo ,anosanganisira kusungwa zvisina tsarukano ,kurohwa ,kutapwa nezvimwe zvizhinji zvinoshungurudza. MuZimbabwe kunyange hazvo bazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko rakakurudzira kuti vatori venhau vasafurutswe mukuita basa ravo ,asi pane vamwe vakashungurudzwa vakaendeswa kuMatare edzi mhosva.





Mhinduro (0)