Jekeso

Vasungwa zviuru zvitatu vanoregererwa

Vasungwa zviuru zvitatu vanoregererwa
Vasungwa vasunungurwa kubva mujeri

Vasungwa vanodaria zviuru zvitatu vakasunungurwa mumajeri munyika yose ,mushure mokuregererwa nomutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa

Kuregererwa uku kunouya pachitevedzwa mutemo wenyika zvakare kuchitariswa nzira yakanaka yokudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 mumajeri.

Komishina Genarari weZimbabwe Prisons and Correctional Services vaMoses Chihobvu vakati ivo vechidiki,vanhukadzi vanga vave pedyo nekupedza kupika mitongo yavo nevari mumajeri akazaruka ndivo vanowana ruregerero urwu.

Asi avo vari kupikira mhosva huru kufanana nekuuraya,kupanduka,kuba motokari,kuba vakapakatira zvombo neavo vanenge vakambotiza usungwa ne vane mhosva dzichiri kumatare nedzimwewo mhosva huru havasi kuzowana ruregerero urwu.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau