Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa nhasi muguta reKwekwe vabayiwa rwepiri nhomba nemushonga weSinovac kudzivirira chirwere cheCovid-19.
Vabayirwa pachipatara cheKwekwe General Hospital.
Mwedzi wapera vaMnangagwa vakabayiwa nhomba kekutanga mudhorobha reVictoria Falls , apo vaiparura chirongwa chekushanyirwa kwenyika pamwe chete nekuparura hurongwa hwechipiri hwekubayiwa nhomba.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vabayiwe nhomba senzira yokudzivirira kupararira kwechirwere che Covid-19.
Hurumende yakambomisa kuvhurwa kwenzvimbo dzekutandarira dzakaita semabhawa nemaNightclub senzira yokurwisana nedenda iri.
Pari zvino vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nevashanu (1555) vakashaya nekuda kwe Covid-19.





Mhinduro (0)