Jekeso

Vashandi voshaya chouviri - ZCTU

Vashandi voshaya chouviri  - ZCTU
Vashandi vachiratidzira (File pic)

Vashandi vano cherechedza zuva reInternational Workers Day nhasi vaine kugunun’una nekuomerwa nehupenyu.

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa vapa mashoko avo pazuva iri vachitenda vashandi nemhuri dzavo nekuzvipira kwakakura mukushanda munguva yakaoma yedenda reCovid-19.

‘’Kuzvipira nekushanda kwavo kwaita kuti Zimbabwe irambe ichienderera mberi’’ vadaro vaMnangagwa.

Masangano anomirira vashandi anotiwo hurumende hayina zvayiri kuita zvino batika kuedza kusimudzira upenyu hwevashandi avo vari kudya nhoko dzezvironda.

Sangano guru rinomirira vashandi reZCTU (Zimbabwe Congress of Trade Union) rinoti gore rino hapana chokucherechedza nechikonzero chokudzikira kwezvoupfumi munyika izvo zvasiya vazhinji vari mumigwagwa.

‘’ matambudziko ane vana veZimbabwe akawoma zvokuti ukapotswa nerimwe unosangana nerimwe chete’’

‘’Mushandi wepamba ari kutambira madhora mapfumbamwe ekuAmarica $9 ,uye mari inotambiriswa mushandi yepasi madhora makumi maviri nemashanu $25Usd.’’ Adaro mutungamiri weZCTU vaPeter Mutasa.

Vashandi vehurumende navo havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa ,zvikuru varairidzi avo vave nenguva vachida kuti hurumende ivape mari ino kwanirana kuita kuti basa ravo rifambe nemazvo.

Mutungamiri webato reMDC-Alliance vaNelson Chamisa vati hurumende inofanira kutambirisa vashandi nemari yekuAmerica sezvo nayo ichibhadharisawo mitero kana mamwe mabasa ichishandisa mari iyi.

Nokuda kwedenda reCovid -19 vashandi havana kukwanisa kusangana muuzhinji hwavo mumhemberero idzi sezva vano siyita makore ose. Denda iri rakonzeresa kuti vazhinji varasikirwe nemabasa pasi rose zvaro.

MuZimbabwe nzvimbo dzokutandarira dzakaita semabhawa nema nightclub dzichakavharwa senzira yokuderedza kutapukira kwechirwere ichi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau