Kusafambika koita mugwagwa unobva muKwekwe uchienda kuSilobela kodzorera shure mabasa ebudiriro munzvimbo iyi,vagari vokurudzira kuti mari dze dhivhorusheni dzishandiswe kuumutsiridza
Izvi zvakabuda pachena mushure mokunge vatapi venhau kubva muguta reKwekwe, musi wemugovera 8 Chivabvu vakashanyira nzvimbo yemabhizimusi yeCrossroad uko vainocherechedza zuva rePress Freedom Day.
Kusamira zvakanaka kwemugwagwa uyu kunotangira muguta rekwekwe uye kozowedzera makomba netumakoronga paunoramba uchienda mberi nerwendo.
Vanofamba nemotokari duku vanotambura zvikuru ,uyewo mugwagwa uyu unoita kuti zvive zvakaoma kuti motokari dzipesane.
Mugwagwa uyu unozosanduka kuve rwizi kunge save pedyo nepaMutema Business centre ,apo pane tumadziva umo zvipfuwo zvakaita semombe dzinogona kuwanikwa dzakaita murakatira kurara dzichiseredzera.Izvi zvinogona kupinza vanoshandisa mugwagwa uyu panjozi huru.
Vemabhizimusi panzvimbo iyi vanoti vari kuomerwa zvikuru kutakura midziyo yavo nedzimwe mbatya idzo vanohodha kubva kumaguta makuru seHarare.
‘’mitengo yedu inopedzisira yanyanyo kukwira tichienzanisa nedzimwe nzvimbo dzine migwagwa inofambika’’
‘’Mazuva ano nokuda kweCovid-19 mabasa edu akaderera zvikuru zvokutoti tiri kutatarika kuti kwanise mari dzeRendi’’ akadaro mumwe muzvina bhizimusi asina kuda nezita rake.
Vamwe vemabhizimusi vave kuenda kunzvimbo dzine migwagwa inofambika vachisiya Crossroads.
‘’vamwe vave kuita chipatapata vachienda kune dzimwe nzvimbo kufanana nepaJoel Business centre kuZhombe nokuda kwekuti mugwagwa unoendako wakanaka chose’’ vakadaro vaChristopher Mpofu vanoshandira panzvimbo iyi.
‘’Mari dzedhivhorusheni ngadzishandeka tione ,nokuti tave nezvitsamha zvematambudziko’’ vakadaro vaMpofu.





Mhinduro (0)