Jekeso

RealmMinister akapakura gapu remutakunanzwa

RealmMinister akapakura gapu remutakunanzwa
RealmMinister

Muimbi Sindiso Nkomo ano zivikanwa nezita remadumhurirwa rokuti Realm Minister akaburitsa single track inonzi Hamba vhangeli iri kufarirwa zvikuru pachirongwa che ZiFm Stereo Top 20.

RealmMinister uyo anogara muguta reKwekwe anoimba musambo wenziyo dzokurumbidza Mwari akabudisa nziyo iyi mwedzi wapera musi wa17 ,uye akashanda pamwe na Oskid kuburitsa mutakunanzwa uyu.

Hamba Vhangeli zvinoreva kuti Shoko ngarifambe.

Pachirongwa cheZiFM Top 20 nziyo Hamba Vhangeli yakambundikirwa nevazhinji kunyange hazvo yakapinda muchirongwa ichi kekutanga , pane tarisiro kuti ichave imwe yenziyo ichaenda pamusoro.

Muhurukuro yaakaita neJEKESO muimbi akati iye ane tarisiro yakakura panziyo iyi.

‘’Nziyo iyi payakaridzwa kekutanga muchirongwa ichi ,vateereri vazhinji vakataridza kuyifarira.’’

‘’Ndine tarisiro kuti ichave imwe yenziyo ichaenda pamusoro pachirongwa ichi ’’

Kune vanoda kuteerera mumhanzi uyu vanogona kuchaya nhare 0773472350 kuti vatenge maDisc uyewo vanogona kuenda padandemutande https://youtu.be/gQdTPknR80s

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau