Chirwere cheCovid -19 chatsviriridza munzvimbo zhinji dzenyika apo uwandu hwevari kubatwa horamba huchikwirira.
Hurumende kutanga musi wa14 Chikumi 2021 yakatora danho nokudzika izvo zvinofanira kutevedzwa nyika yose senzira yokuchengetedza nokuderedza kutapukira kweCovid-19.
Mumwedzi waKubvumbi bazi rezvoutano rakatora danho rokuti guta reKwekwe rimboiswa paLockdown senzira yokudzivirira kutapukira kwemhando yeCovid-19 yorudzi rwakatanga kuonekwa kuIndia.Izvi zvinotevera kufa kweumwe muzvina bhizimusi Robson Kadenhe neCovid-19 yemhando yekuIndia.
Musi wa12 Chikumi 2021 bazi rezveutano rakazivisa kuti matunhu eKariba neHurungwe nawo ave paLockdown zvichiteverawo uwandu hwevaibatwa nechirwere ichi mumatunhu aya.
Musi wa14 chikumi ,chipatara cheNyamhunga kuKariba nacho chakambopfigwa kwekanguvana chichifafaidzwa mishonga nokuda kweumwe wevashandi akange awanikwa ane chirwere ichi.
KuMasvingo zvichitevera kubatwa kwakaita vadzidzi vepaBondolfi Teachers College neCovid-19 muna kubvumbi,chikoro chevarairidzi cheMorgenster Teachers College nachowo chine vadzidzi makumi matanhatu nevatatu vakabatwa chirwere ichi uye zvidzidzo zvose zvambomiswa.
Pamasvondo maviri chete nyika yakaita vanhu mazana papfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevasere (998) vakabatwa neCovid-19.
Pari zvino vanhu zviuru kupotsa kunanavira kumakumi mana vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika,zviuru makumi manomwe vakapora uye chiuru chimwe nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevaviri vakafa nechirwere ichi
Vamwe vokurudzira kuti hurumende iwedzere kusimbaradza zvisungo sezvo vamwe vanhu vasiri kukoshesa nyaya dzokuzvidzivirira.
Mapurisa eZimbabwe Republic Police nawo akapa yambiro kuti vachasunga vose vasingacherechedzi matanho ehurumende okudzivirira chirwere ichi.





Mhinduro (0)