Jekeso

Vana vanga vachida zvitupa vafambira dhongi rakafa muKwekwe

Vana vanga vachida zvitupa vafambira dhongi rakafa muKwekwe
Vana vanga vakamirira kutora zvitupa muKwekwe

Mazana evana vechikoro vanga vachida kutora zvitupa mukwekwe vafambira dhongi rakafa.

Vana avo vari kugadzirira kunyora bvunzo dzavo dze’O’ ne ‘A’ Level vadzorerwa kudzimba mushure mokutaurirwa kuti muchina unotora zvitupa wakafa ukaendeswa kuHarare.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa iri muguta reKwekwe vati ivo mushina wekutoresa zvitupa wakafa.

‘’Mushina wedu wakafa ,wakaenda kuno gadzirwa ,nokudaro vana tava taurira kuti vadzokere kudzimba ‘’ vakadaro vaCleopas Mudzviti.

Hurumende yakazivisa kuti vana vaende kunzvimbo dzinotorwa zvitupa kumatunhu avo kutanga musi wa26 Chikumi kusvikira musi wa27Chikumi 2021.

Zvichakadaro veruzhinji vari kunyunyuta nemafambisirwo ari kuitwa basa zvikuru neHofisi iyi ,sezvo vazhinji vachikundikana kuwana magwaro akakosha anosanganisira zvitupa nemagwaro ekufambisa.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau