Jekeso

Imhosva kusapfeka Mask

Imhosva kusapfeka Mask
Hon Kazembe Kazembe

Gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika vaKazembe Kazembe vatura mashoko kuvatori venhau nhasi muguta reHarare,vachisimbisa nyaya yokuti mapurisa vachaona kuti mitemo ine chokuita nekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yatevedzwa neveruzhinji.

VaKazembe vazivisa kuti vanhu vanosvika 51 018 mumwedzi vaChikumi 2021 vakasungirwa mhosva yokusapfeka mamask.

Vayambira kuti kusapfeka mask imhosva.

Veruzhinji vanofamba uye vanoshandisa dzimotokari vari kukurudzirwa kuti vacherechedze kuti vasafambe nenguva dzakatarwa kubva na1830 kusvika 0600.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau