Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaparura mari itsva yamadhora makumi mashanu , iyo yatanga kushanda nhasi 7 Chikunguru 2021.
Mari iyi ine mufananidzo waMbuya Nehanda ,wemagamba akafira nyika, uye kune rumwe rutivi matombo matatu akaturikidzana.
Bhanga iri rakazivisa kuti richaburitsa mari iyi , inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matanhatu emadhora($360 Million ).
Mumashoko avo Gavhuna vaJohn Mangudya vakati ivo mari iyi ‘’ichatanga kupuwa musi wa 6 Chikunguru 2021 kuburikidza neStatutory Instrument 196 of 2021’’.
Voruzhinji vari kufarira danho iri,uyewo kuvepo kwemufananidzo waMbuya Nehanda inzira yokupa ruremekedzo kumhondoro dzenyika ino.
‘’Banga guru raita zvakanaka chose,nokuti kuvepo kwemufananidzo waMbuya Nehanda mucherechedzo wokurangarira mhondoro nemasvikiro enyika ino ’’
‘’Dzimwe nguva matambudziko nezvino tinetsa zvinogona kudarika ,uyewo zvino batanidza vana veZimbabwe’’ vakadaro sekuru Mpofu .
Mari hayifanire kuti ipedzisire yave pamusika mutema.
‘’Dambudziko rino siyitika makore ose ,ndero kuti mari zhinji ino pedzisira yave pamusika mutema,VaMangudya vanofanira kuisa mirawo yakaomarara kune avo vanotora mari iyi vachiishandisa pamusika mutema’’
‘’kutaura kuno ,muno muKwekwe nhasi mari iyi hatina kuyiona,kunze kwekungozvinzwa mumapepa nhau’’ vakadaro vaJefry Sibanda mugari wemuKwekwe.
Asi vamwe ndivo vanoti dambudziko rokushaya simba kwemari yomuno ndiro rinoda kugadziriswa.
‘’Hakasi kokutanga kuve nemari itsva munyika, zvino konzeresa kushaya simba kwemari kana zvisina kugadziriswa,uku kungave kuteya nzou neriva’’ akadaro Martha Mutema ane bhizimusi rokutengesa mbatya dzevana muRedcliff.
Kuvhara kwemakambani uye kushomeka kwezvigadzirwa zvemuno zvichino tengeswa kunze kwenyika zvingave zvimwe zvezvikonzero mari ichishaya simba.
‘’Tinotarisira kuti kuvhurwa kwemakambani makuru seZisco Steel kunogona kubatsira kuti upfumi hwenyika husumukire’’ akadaro Simbarashe Moyo mugari wekuTorwood muRedcliff.
Mari iyi ichange ichishandidzana nedzimwe dziripo dzino sanganisira $2,$5,$10 ne$20.





Mhinduro (0)