Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa vaJacob Zuma vakazvipira kumapurisa zvichitevera mutongo wavakapiwa wekuzvidza dare.
Dare repamusoro munyika iyi rakapa vaZuma mutongo musi wa 29 Chikumi 2021 wekugara mugeri kwemwedzi gumi nemishanu.
VaZuma vaitarisirwa kumira pamberi pedare vachipa umbowo pamhosva zhinji dzaavari kupomerwa dzine chokuita nehuori panguva yavaive mutungamiri wenyika iyi kubva mugore ra 2009 kusvika 2019.
Vatsigiri vavaZuma avo vakange vauya kuzotaridza rutsigiro ,uye kushoropodza mutongo wedare vakasara vasina romuromo sezvo mutemo wayifanira kutevedzwa sezvauri.
Vamwe vana muzvinabhizimusi vari kupomerwa mhosva yokushandidzana nevaive vari mune zvematongerwo enyika kuita mabasa ehuori panguva yaitonga vaZuma ,asi ivo vari kuramba vachiti vaisava nechokuita nenyaya idzi.
Mune imwewo nyaya vaZuma mwedzi wapera vakatsidza kuti havana mhosva munyaya dzohuori yokutengeswa kwezvombo zvehondo zvayisvika mabhiriyoni mashanu emadhora ($5Billion).
Vamwe vaongorori vanoona nezvenyaya dzematongerwo enyika vanoti , avo vanopikisana navaZuma ndivo vari kurwa vakapota nematare kuitira kuderedza simba ravaZuma mubato reANC.
Vamwewo vari kupembedza mutongo wedare,sezvo pasina munhu anofanira kuve ari pamusoro pemurawo.
Chiitiko ichi chinoyeuchidza vari muhutungamiri kuti vaite basa ravo nemazvo.





Mhinduro (0)