Vatsigiri venhabvu vari kutaridza kutsutsuma kukuru nekuda kwematambiro ari kuita chikwata chenhabvu chenyika ,apo chabuda mumakwikwi eCosafa mushure mokukundwa nechikwata cheSenegal 2 – 1 pamutambo watambirwa kuNelson Mandela Bay kuPort Elizabeth kuSouth Africa.
Zimbabwe yabuda ine mapoinzi maviri mushure mokukundwa pamitambo miviri ,uye imwe yikaita mangange. Zvimwe zvikwata zvakundikana kuenderera mberi muboka regroup B iMozambique neMalawi.
Zvikwata zve Senegal neNamibia ndizvo zvichaenderera mberi nemakwikwi nezvimwe zvikwata zvinenge zvabudirira muboka regroup A.
Mutambo wekupedzisira uchatambwa musi wesvondo 18 Chikunguru 2021 nenguva dza 1700 hrs.
Vamwe tsigiri vechikwata cheZimbabwe vari kudaidira kuti murairidzi wechikwata ichi vaZdravko Logarusic ngavasiye basa sezvo zvichitaridza sokunge vari kutadza kumisa chikwata chavo zvakanaka.
‘’vaLoga vari kutaridza kuti zvavaremera ,dai vasiya havo basa nokuti Zimbabwe inosiyita mukurumbira pamakwikwi eCosafa asi rwendo rwuno zvakona n’anga’’ akadaro Tarisai Matare.
Vamwewo vari kuti kusatamba kwezvikwata zve Primier league ndiko kwayita kuti chikwata che chinyika chipape.
‘’hazvigoneke kuti muone kubudirira kwechikwata chenyika ,imo munyika macho pasina nhabvu iri kutambwa.Avo vari kuti Loga asiye basa vari kuvanda nemunwe.’’akadaro Tawanda Moyo.
‘’kusatamba zvakanaka kwechikwata chenyika kunotaridzawo kuti vatambi Havana kuwana gadziriro yakakwana kuti vakwikwidze pamitambo yedanho iri’’ akadaro Moyo
Kubva pavamba chirwere cheCovid-19 mitambo mizhinji yakambomiswa senzira yokudzivirira kupararira nekutapukira kwedenda iri.Izvi zvakakanganisa zvikuru vanorarama nemitambo munyika





Mhinduro (0)