Jekeso

Shato muWish vazhinji vasara vasina mate.

Shato muWish  vazhinji vasara vasina mate.
Shato yaburitswa mumotokari

Muzvambarara wenyoka wanga uri mumotokari wasiya vazhinji vasina romuromo nhasi muguta reKwekwe panzvimbo inogezeserwa motakari.

Shato iyo yanga yakareba mamita kupotsa kudarika maviri yanga iri mumotokari yerudzi rweToyota Wish iyo yanga ichitaridza kuti haina nguva yakarweba yatengwa sezvo yanga isati yave nema nhamba plate.

Anga achityaira motokari iyi anga ane shamwarikadzi yake,(hatina kukwanisa kuwana mazita avo)apo vasiya motokari iyi panzvimbo inogerwa pedyo nepaimbove nemusika wemakombi eRedcliff.

Vanga varipo zvichiitika izvi vataurira JEKESO kuti vaviri ava vanga vakaenda paneimwe imba yokusasanachivande , pavadzoka mutyairi ndipo akaona nyoka iri pachigaro chiri nechepakati pemotokari iyi,ndipo paazozivisa shamwarikadzi yake zvazoita kuti vazhinji vamhanyire pamotokari iyi vachida kuona.

Veruzhinji ndivo vazotsemura rimwe hwindo diki remotokari kuti vazarure mikova sezvo mutyairi amboshaikwa. Vanoona nezve mhuka ndivo vazouya vakabata nyoka iyi.

Mutyairi paazodzoka ataurira mapurisa kuti motokari iyi ndeya yamukoma wake vari kuSouth Africa.

Vamwe vataura neJEKESO vati ivo aya anogona kunge ari maminimini anokonzereswa nemishonga yekuromba

‘’zviri pachena kuti nyoka iyi mishonga yokuromba ,ndinofungidzira kuti pane zvakanganisika zvakonzeresa kuti zvidaro,sezvo zvichinzi vambenge vaenda kunosasana neshamwarikadzi yake’’ akadaro mudzimai asina kuzivikanwa zita rake.

‘’vechidiki vamazuva ano vave kutsvaga mari nenzira iri nyore ,asi zvichizokonzeresa matambudziko mberi.’’ Akadaro mudzimai uyu.

Nyoka inogona kunge yakapinda yoga .

‘’Nyoka inogona yakapinda yoga mumotokari kana misiwo yakasiyiwa yakavhurika,ndinodaro nokuti hapana chiri kutaridza kuti nyoka iyi yanga iri musaga kana imwe nzvimbo yakavanzika.’’akadaro mumwe mutyairi asina kuda nezita rake.

Mumwe wevanosuka motokari panzvimbo iyi ati ashamisika zvikuru nechiitiko ichi.

‘’basa redu iri rakaoma zvikuru , ndashamisika zvikuru nezvandaona nhasi,ndinotenda vadzimu vangu sezvo ndanga ndisati ndatanga kugezesa motokari yacho’’ akadaro Dread

‘’Zvizhinji hazvo zvatinosisangana nazvo mudzimotokari umu ,asi izvi zvandipedza mate’’ akadaro.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau