K anzura yeguta reKwekwe iri kushandisa mukana weLockdown kuvandudza mabasa ayo okuchenesa guta izvo zviri kuyemurwa nevoruzhinji. Migwagwa mizhinji iyo yanga ave muchimiro chakashata nemakomba ,iri kugadziriswa ichinamwa netara.Vatyairi vedzimotokari vange vochema chema nokuti zvaga zvokonzera kufa kwemotokari dzavo. Marori akakura ndiwo anokonzeresa kufa kwemigwagwa sezvo achitakura zvinorema.Pane kurudziro yokuti kanzuru iyite hurongwa hwekuti marori aya asatendedzwa kupfuura kana kushandisa migwagwa inodarika nepati peguta. Kuseri kwezvitoro uko kwakanga kusingatarisike netsvina ,kwave kufura mhepo sezvo kanzuru yakashandisa giredha kukukura tsina nemarara ayo akange akati monamona. ‘’ mashandiro ari kuita kanzuru ,aya ndiwo atinotarisira mazuva ose,zvakakosha kuti pave nedzidziso kuitira kuti vagari veguta vanzwisise zvakakoshera kugara nharaunda dzavo dzaka chena.’’
‘’Zvisangoitike badzi nokuda kwekuti kwazoitika Covid-19 kwete,kanzura inofanira kuvandudza mabasa ayo okutakura marara kuitira kuti pasazvike nguva apo marara anounganidzwa kuita chitutu.’’ Vakadaro vaJohn Sothole mugari wemuKwekwe. Guta reKwekwe semamwe maguta munyika ayo ari kupaza zvivakwa zvisiri pamurawo,izvo zviri kushoropodzwa nevamwe , vari kuti zvirikusiya mhuri zhinji dzisina chouviri. ‘’hatisati tanzwa hurongwa hwekuti avo vakapazirwa zvivakwa zvavo vachapiwa here pamwe pokushandira kuitira kuti vararamise mhuri dzavo ,uye vagokwanisa kubhadhara mitero yemvura nedzimba dzavanogara kukanzuru iyi’’ vakadaro amai Moyo avo vaive nemusika parince park flee market. Hatina kukwanisa kunzwa mashoko kubva kumutauriri wekanzuru yekwekwe maringe nehurongwa hwavo kubatsira avo vakapazirwa zvivakwa zvavo. Nharaunda dzikagara dzakachena zvinobatsira kudzivirira zvirwere zvinotapukira ,uyewo maguta akachena ndiwo anofarirwa neavo vanoda kuvhura mabhizimusi avo matsva vachibva kune nzimwe nyika kana mamwe maguta munyika.





Mhinduro (0)