Chikwata chenhabvu chenyika yeSouth Africa ,cheBafana Bafana, chakadengezera mukombe weCOSAFA mushure mokukunda chikwata che Senegal 5 – 4 kumapena pamutambo wakatambirwa kuNelson Mandela Bay musi wesvondo 18 chikunguru.
Chikwata cheBafana Bafana chakatamba zvinomwisa mvura mumakwikwi aya sezvo chisina kumbokundwa.
Mugore ra2016 chikwata ichi chakakukunda mumakwikwi aya apo chakarakasha chikwata che Namibia.
Nyiko Mobbie ndiye akamwisa chibodzva chakaita kuti Bafana Bafana vasimudze mukombe.
Chikwata che Eswatini ndicho chakaita chetatu mushure mekukunda Mozambique nezvibodzvwa 4 – 2 pamutambo wakange watanga kutambwa.





Mhinduro (0)