Shamwarikadzi yaTatenda Mutema uyo ayi tyayira motokari yakaonekwa shato ,anoti ari kushunguridzika zvikuru sezvo vamwe vanhu vave kumunemera nezita rokuti mashato izvo zviri kudzorerawo basa rake kumashure.
‘’Shamwari dzangu nevamwewo vanhu vave kundidaidza kuti mashato’’
‘’Izvi zviri kundikanganisa basa rangu zvikuru nokundidzingira makasitoma’’ akadaro Talent
Talent (harisi zita rake chairo )akataurira JEKESO kuti chimwe chinomunetsa ndechokuti nyoka iyi yakadya machipisi ake
‘’Patakadzoka pamotokari ndakawana nyoka yadya machipisi angu andange ndasiya paseat remota’’
‘zvino kana dai iri nyoka yemaminimini zvinoreveyi,ndikazvifunga hana yangu inorova nokuti mazuva ano makumbo angu anombopota achirwadza‘’ akadaro
Sezvo vakuru vachiti tsuro hayiponi murutswa kaviri Talent anoti haasi kuzosiya basa rake rokuve hanzvadzi yerudo.
‘’basa redu iri kana uchinge warijaira rinonetsa kusiya.’’
Kunyange hazvo paine mamwe mabhindauko anogona kuraramisa ,pari zvino handisati ndagadzirira kusiya basa iri’’
‘’Chandinongo namatira ikundiso yokuti ndikundiswe muzviitiko zvakadai’’ akadaro Talent.
Mutema anoti ayisaziva nezvenyoka iyi sezvo ayisave iye muridzi wemotokari iyi.





Mhinduro (0)