Hurumende yakazivisa kuti nyika icharamba iri padanho rechina reLockdown senzira yokuderedza kupararira kwedenda reCovid-19.
Kusvika musi wa 26 Chikunguru 2021 vanhu vakabatwa neCovid-19 kubva payakatanga vanosvika 99 944, zve 67 827 vakapora uye 3 173 vakashaya.
Nokudaro dare iri rakaona zvakakosha kuti parambe pachisimbaradzwa matanho okudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Pasvondo radarika nzvimbo dzakanyanyo kuwanikwa vanhu vakabatwa nechirwere ichi dzino sanganisira dunhu reHarare Metropolitan (1 968),dunhu reMashonaland West (1 776),dunhu reManicaland (1 537) nedunhu reMashonaland Central (1 106).
Mari inosvika zana remamirioni yemuno (ZW$100 Million) yakawaniswa kuti igotenga Oxygen inoshandiswa mukurapa .
Zvibhorani zvemvura makumi matatu nezvipfumbamwe (39) zvakacherwa kuitira kuti voruzhinji vawaniswe mvura yakachena.
Hurumende yakazivisa vabereki kuti vagadzirire kuvhurwa kwezvikoro uyewo kuti vatsigire zvirongwa zvokuwanisa vadzidzi zvidziviriro nemishonga yokuzora maoko nezvimwe zvakakosha.
Kusvika musi wa 26 Chikunguru 2021 vanhu vanosvika 1 491 493 vakabayiwa jekiseni rekutanga renhomba uye 687 216 vakange vabayiwa rechipiri.
Musi wa25 Chikunguru 2021 nyika yakagamuchira mishonga yenhomba inosvika miriyoni imwe chete ( I Million) uye mimwe mishonga inosvika 1.5 Million yeSinopharm inotarisirwa munyika musi wa 30 Chikunguru 2021.
Voruzhinji vanokurudzirwa kuti vaende vanobayiwa nhomba izvo zvinoderedza kupararira kwechirwere ichi pamwe nendufu.





Mhinduro (0)