Makore ose svondo rokutanga raNyamavhuvhu pasi rose rinorangarira kuyamwiswa kwevana pazamu raamai ,gore rino mazuva aya ari kucherechedzwa panguva apo pasi rose riri kutambudzwa nedenda reCovid-19.
Pangave nemibvunzo ino sananganisira kuti Coronavirus inogona kutapukira nekuyamwisa here? .Kwete , nyanzvi mune zveutano dzinoti denda iri harigoni kutapukira kuburikidza nekuyamwisa pazamu raamai ,nokudaro amai vanofanira kuenderera mberi nekuyamwisa mwana wavo.
Pane kurudziro yokuti panguva iyi amai vanofanira kuchengetedza utsanana zvikuru nenzira yokupfeka Mask nguva dzose dzavano yamwisa,kugeza maoko nemvura ine sipo uye kufafaidza panzvimbo dzinorara kana kutambirwa nemwana kuti pagare pakachena
Matambudziko mazhinji angadai akatarisana nemadzimai akazvitakura nevanoyamwisa ,asi kurudziro iri yokuti vawaniswe rutsigiro nevavano gara navo uye nekudya kunovaka muviri.
Zvakanaka kuti vana vayamwiswe dakara vasvitsa mwedzi mitanhatu yekuzvarwa ,vozoramba vachiyamwiswa nokupihwa kumwe kudya dakara vasvika makore maviri kana kudarika.
Kuyamwisa mwana kwakanaka nguva dzose nokuti kuno dzivirira kubva kuzvirwere,uye mukaka waamai unobatsira kuti mwana asayite dambudziko renhova sezvo mumuviri make munenge muchiwaniswa mvura yakakwana nguva dzose.
Mukaka wa amai wakanaka nokuti unogara uripo nguva dzose uye unoita kuti mwana akure ari chigwindiri sezvo une chikafu chose chakakodzera mukukura kwemwana.
Vana vasingawaniswe mukaka wezamu raamai havakure zvakanaka uye vanokasira kubatira zvirwere,vamwe vacho vanogona kuzononoka kana kukundikana kuzofamba zvachose.
Kuyamwisa kunobatsirawo amai nokuderedza mikana yokubatwa nezvirwere zve gomarara rezamu kana chibereko.





Mhinduro (0)