Jekeso

Zvidzidzo zvevana vepuraimari paWairesi

Zvidzidzo zvevana vepuraimari  paWairesi
Wairesi

Bazi rezvedzidzo yePuraimari neSekondari rakabatana nenhepenyuro yeZBC neUNICEF rakaparura chirongwa chechikamu chechina chezvidzidzo pawairesi.

Zvidzidzo izvi ndezvePuraimari ,kutangira padanho reECD kusvikira padanho rechinomwe.

Hurongwa uhu hwakatanga musi wa29 Chikunguru hunoitwa kubva muvhuro kusvikira chishanu ,panguva dzakatsaukana pamawairesi anoti National FM,Power FM,Classic 263,neRadio Zimbabwe.

Izvi zvinotarisirwa kubatsira vadzidzi zvikuru panguva yavasingakwanisi kusangana nevarairidzi vavo .

Bazi iri rinokurudzira kuti vabereki vanzwisise hurongwa uhu kuitira kuti vagobatsira vana vavo vari kudzimba.

Chirwere cheCovid-19 chakakonzera kuti zvikoro zvimbovharwa senzira yokudzivirira kutapukira nokupararira kwedenda iri.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau