Vanotengesa mbatya dzomumabhero vochema chema nokuda kwedanho rakatorwa nehurumende rokumbomisa kutengesa mbatya idzi pachityirwa kuti zvingangoita kuti chirwere cheCovid-19 chitapukire kune voruzhinji. Mumashoko avo gurukota rezvekubudiswa kwemashoko muzvare Monica Mutsvangwa vakati ‘’kuwedzera kuri kuita kupinzwa kwembatya zviri kunze kwemutemo kuburikidza nekumuganhu wenyika weku Mt Silinda nekuSango kunokonzera njodzi huru kune vanodzipfeka.’’ ‘’Nokudaro hurumende inotora danho rokumisa kutengwa kwemabhero aya.’’ vakadaro muzvare Mutsvangwa Vazhinji mumaguta vanga vorarama nokutengesa mbatya idzi sezvo mabasa onetsa kuwana, ‘’Kumiswa kwekutengeswa kwembatya idzi kuchaita kuti vazhinji vaomerwe noupenyu ,kunyange hazvo danho reHurumende riri rokuchengetedza upenyu hwevoruzhinji.’’ Vakadaro muzvare Matare avo vaive nemusika pedyo nePrince Park muguta reKwekwe.
Vanhu vanofarira kutenga mbatya idzi nokuti dzinotengeka uye dzakasimba kana tichienzanisa nedzimwe mbatya dzinotengeswa muzvitoro. ‘’Nemadhora gumi ekuAmerica unogona kutenga mbatya dzakati wandeyi kana uchienzanisa nekutenga mbatya mune zvimwe zvitoto’’ vadaro muzvare Marufu. ‘’Isu tanga torarama tichitengesa mbatya sezvo kusina kumwe kwaungawane basa,apa ndipo panga patove nendaramo yedu’’ akadaro Martha Shuma. Kuvhara kwemakambani ekusona mbatya uye kudhura kwemitengo yemicheka ,ndizvo zvakakonzera kuti vanhu vasarudze kutenga mbatya dzemu bhero. Hurumende inokurudzirwa kuti itsigire chikamu chokurima donje sezvo chiri icho musimbokti mukugadzirwa kwemachira.





Mhinduro (0)