Jekeso

Mapurisa oshushikana nemhosva dzekupondana

Mapurisa oshushikana nemhosva dzekupondana

Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kushushikana nenyaya dzekupondana .

Mumashoko avakaburitsa musi wa 4 Nyamavhuvhu, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti nyaya dzokupondana dziri kuramba dzichikwirira munyika.

Zhinji dzacho dzichikonzerwa nekupokana mumhuri,neshamwari uye dzimwe dzacho dzichiitikira panzvimbo dzemabhawa.

Zvose izvi umbowo kuti vazhinji havasi kutevedzera danho rehurumende rinodzivisa kuungana kwevanhu senzira yokudzivirira kutapura nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mune dzimwe dzenyaya, musi wa 2 Nyamavhuvhu ,murume ane makore makumi mana nemaviri (42) wekuChikuti akatemwa neshamwari yake nechitinha kamwe chete mumusoro mushure mokupokana pamusoro pemari inosvika $60 yaakange akwereta kune ari kupomerwa mhosva.

Murume uyu akaendeswa kukirinika yeMtala ,uko akasvika afa.

Mapurisa anokurudzira kuti voruzhinji vakoshese upenyu ,zvakare vapedze magakava avo murunyararo.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau