Jekeso

Ndangariro dzegamba remumhanzi Simon Chimbetu

Ndangariro dzegamba remumhanzi Simon Chimbetu
Simon chopper Chimbetu

Ave makore gumi nematanhatu mushure mokunge muimbi ane mukurumbira Simon ‘Chopper’Chimbetu ashaya.

Musi wa 14 Nyamavhuvhu izuva rinodzora ndangariro dzeunyanzvi nemabasa aChimbetu muimbi akanga ane chipo chokuimba .

Mumakore ekuma 1980 chimbetu akatanga kuimba pamwe chete naJohn chibadura asi nekufamba kwenguva akazoshanda pamwe chete nemun’inina wake Naison apo pavakavamba chikwata chaizivikanwa kuti Marxist Brothers.

Vose pamwe chete vakaimba madambarefu akaita mukurumbira aisanganisira Mwana wedangwe,Kunjere kunjere,Dendera resango na Africa. Vaviri ava vakazoparadzana mugore ra1988 apo simon chimbetu akavamba chikwata Ochestra Dendera Kings.

Chimbetu akabura mamambarefu anozvika gumi nemapfumbamwe kusvikira mugore ra 2005.

Mamwe madambarefu akaita mukurumbira anosanganisira Boterekwa 1989,Nguva yakaoma 1990,Ndourayiwa 1992,Pachipamwe 1995, Survival 1997,2000 Blend 2000,10 Million Pound Reward 2005.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau