Jekeso

Ushe madzoro , Hichilema anokunda musarudzo

Ushe madzoro , Hichilema anokunda musarudzo
VaHakainde Hichilema

Mutungamiri webato raipikisa re United Part for Development (UPND) vaHakainde Hichilema vakakunda musarudzo dzokutsvaga mutungamiri wenyika yeZambia.

Musi wemuvhuro 16 Nyamavhuvhu 2021 Komishini inoona nezve kufambiswa kwesarudzo munyika iyi vakazivisa kuti vaHichilema akawana mavhoti 2 810 777 uye vaEdgar Lungu vePatriotic Front (PF) vakawana 1 814 201.

‘’Nokudaro ndinozivisa kuti Hichilema ndiye ave mutungamiri weZambia’’ akadaro sachigaro wekimishini inoona nezvesarudzo Esau Chulu ,ari muLusaka.

VaLungu vaburitsa mashoko ekubvuma zvakabuda musarudzo idzi uye nokukorokotedza vaHichilema nokukunda kwavo

VaHalichilema vanobva vave mutungamiri wenyika iyi wechinomwe kubva nyika iyi yawana kuzvitonga.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau