Sangano re Anti Corruption Trust of Southern Africa (ACT-SA)rakaburitsa gwaro reongororo rinotaridza kukwirira kwenyaya dzehuwori nekusafambiswa zvakanaka kwebasa nevamwe vashandi vehurumende panguva yeCovid 19 lockdown.
Sangano iri iro rine mahofisi muguta reKwekwe rinoti kunyange hazvo paine budiriro huru mudanho rakatorwa nehurumende rokuti vanhu vagare kudzimba ,asi nyaya dzehuori dzonhuwa sechidembo.
Mugwaro ravo vanoti mamwe mapurisa nevashandi vehurumende vari kunenedzerwa tsika dzeuwori zvikuru vakanangana neavo vanenge vatyora mitemo ine chokuita neCovid 19.
Sangano iri rinotiwo kukwira kwemari dzemibhadharo yevanenge vatyora mitemo ,ndechimwe chikonzero chikuru chiri kupeswedzera nyaya dzehuwori. Nyaya dzehuwori dziri kuvhiringawo mabatirwo ebasa muchikamu chezvoutano.
Mutungamiri wesangano iri Obert Chinhamo akakurudzira kuti vose variku nenedzerwa nyaya dzinechokuita nehuwori vanofanirwa kuferefetwa. ‘’sangano reACT-SA rinokurudzira kuti kuferefetwe nokutora matanho kune avo vari kunenedzerwa nyaya dzehuwori’’ akadaro Chinhamo.
Matambudziko anokonzerwa nekuoma kwezveufumi koita kuti vazhinji vaite mabhindauko mamwe acho anozokonzera kuti vapinde panyanga dzamushore.





Mhinduro (0)