Ave makore gumi mushure mokunge muyimbi Cephas Mashakada ashaya.Muimbi uyu yaive nyanzvi mukuimba musambo wesungura.
Mugore 1977 akabatana nevamwe vaimbi vanoti Biggie Tembo,Jacob Teguru,Franco Kazere naDavid Ziome vakaumba chikwata chinonzi World Ten Band.
Vakazoenda kuguta reHarare uko vakazoumba chimwe chikwata chinonzi Muddy face mushure mokunge vabatana nemuimbi Paul Mpofu naJob Mashanda. Chikwata ichi hakaburitsa nzviyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Inyanga ,Nherera naKilimanjaro.
Mushure mokunge Paul Mpofu naJob Mashanda vasiya chikwata ichi Mashakada akaenderera mberi nechikwata ichi icho akazotumidza kuti Sounds of the Muddy Face apo vakazobudisa madambarefu anoti Nyaradzo yakaitwa ,Zvapupu , Mharidzo ,Chiratidzo , Shingiso na Ndiri mutadzi
Mashakada akaberekwa mugore ra1960 kuChinhoyi akashaya musi wa23 Nyamavhuvhu 2011 mushure mokuve diabetic kwenguva refu.





Mhinduro (0)