Vabereki vano gamuchira danho rakaziviswa nehurumende rekuvhura zvikoro, kunyange hazvo vachisangana nematambudziko makukutu.
Nezuro 25 Nyamavhuvhu 2021 dare remakurukota rakazivisa kuti zvikoro zviri kuvhurwa kutanga musi wa 30 Nyamavhuvhu 2021 kune avo vari kunyora bvunzo ,vamwe vose vozovhura musi wa 06 Gunyana 2021.
Dzidzo ikodzero yevana ,asi nokuda kwe denda reCovid-19 zvakamanikidzira hurumende kuti vambononoka kuvhura zvikoro senzira yokuderedza kupararira kwechirwere ichi.
Kuvhurwa kwezvikoro kuno batsira kuti vana vave neramangwana rakajeka uye zvino deredzawo mikana yokuti vasaite misakanzwa kana kumbunyikidzwa.
‘’tinofara zvikuru nedanho iri nokuti vana vazhinji vange voswera vachitenderera nemigwagwa vasina zvokuita uye vange vasarira zvikuru mufundo yavo ’’akadaro Concilia Ndlovu.
Vana vange voroodzwa nekupiwa mimba mazero avo asati akwana.
‘’Vanasikana vange vombunyikidzwa nekupiwa pamuviri nguva yavo isati yakwana.Nokudaro zvakanaka kuti vana vange vari kuzvikoro nguva yavo zhinji ’’akadaro muzvare Abgail Sibanda.
Kuwoma mune zveupfumi munyika kokonzeresa kuti vabereki varemerwe kutsvaka mari dzinodiwa kubhadharira vana vavo kuzvikoro.
‘’mazuva atapihwa mashoma zvikuru okugadzirira kuti vana vadzokere kuzvikoro,taifungidzira kuti sezvo hurumende yakazivisa kupamhidzirwa kwemazuva eLockdown nemasvondo maviri,ndipo pazvaizo vhurwa’’
‘’Mari iri kunetsa kuwana sezvo tisiri kuenda kumabasa nguva yakakwana nokuda kweCovid-19 lockdown’’ akadaro Josphat Ncube padandemutande reTwitter.
Asi vaNick Mangwana munyori mukuru mubazi rezvekufambiswa kwemashoko vanoti hurumende yakagara yazivisa vabereki kuti vagadzirire kuvhurwa kwezvikoro musi wa 27 Chikunguru 2021.





Mhinduro (0)