Jekeso

Hurumende inopinza basa varairidzi zviuru zvina

Hurumende inopinza basa varairidzi zviuru zvina
Varairidzi vachiratidzira

Bazi redzidzo yePuraimari neSekondari razivisa kuti hurumende yapinza basa varairidzi zviuru zvina pakotoro ino.

Pachinyorwa chepadandemutande reTwitter nhasi 1 Gunyana 2021, bazi iri razivisa kuti zviuru zvina zvavarairidzi vawaniswa basa uye mazita evakapinda basa ava anogona kuonekwa padandemutande ravo.

Varairidzi ava vanotarisirwa kuderedza dambudziko rokushayikwa kwevarairidzi muzvikoro zvizhinji munyika ,zvikuru kunzvimbo dzokumaruwa.

Sangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe ragamuchira danho iri zvikuru , izvo zvavatsanangura kuti zvinoderedza dambudziko rokuti murairidzi awanike vachidzidzisa vana vakadarikidza mwero.

Asi zvakadaro sangano PTUZ rinotaridza kusajekerwa nenzira iri kutorwa nayo varairidzi sezvo ,vamwe vakatanga kupedza zvidzidzo zveurairidzi vachitangirwa nevakatevera kumashure.

‘’ zvakadaro takagamuchira chinyunyuto chokuti vadzidzisi vazhinji vakapedza mugore ra2018 havasati vawana mabasa ,asi avo vakapedza mugore ra2019 ndivo vari kuwaniswa mabasa.’’

Varairidzi vari kusangana nematambudziko mazhinji mukuita basa ravo nokuda kwemari iyo yavanoti hayisi kuvakwanira,asi hurumende inogara yakavavimbisa kuti iri kuyedza nepainokwanisa kusimudzira upenyu hwavo.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau