Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa nhasi 15 Gunyana 2021 vanopemberera makore makumi manomwe nemapfumbamwe okuzvarwa kwavo.
Vazhinji vari kutumira mashoko ekuva korokotedza vachivashuvira upenyu hwakanana.
Hurumende yavaMnangagwa iri kushanda zvakaomarara kuyedza kugadzirisa matambudziko makukutu akatarisana nenyika anosanganisira kushaikwa kwemabasa ,kugadzirisa migwagwa uye nemari yakapepereka.
Chirwere cheCovid-19 ndechimwe chimhingamupinyi chikuru asi zvakadaro hurumende yava Mnangagwa ndeimwe iri kuyemurwa pasi rose nokuda kwematanho akasimbarara okuderedza kutapukira kwechirwere ichi ,uyewo vazhinji vari kutevedzera kurudziro yokubayiwa nhomba.
Upenyu hwava Mnangagwa uzhinji vakazvipira kushandira nyika yavo ,uyewo nanhasi vachirimo munhandare kuyedza kusimudzira nokunza budiriro.
Asi bhaibheri rinoti hakuna mutsvene,hutungamiri hwavo hunoshoropodzwa nevamwe avo vanoti vanotonga nedemo.





Mhinduro (0)