Zimbabwe inopemberera zuva reInternationa day for Rural Women iro rinopembererwa musi wa 15 Chikumi makore ose richitaridza mabasa akakosha anobatwa nemadzimai nevasikana mukuwaniswa zvokudya pasi rose.
Dingindira regore rino rinoti ‘Women Empowerment :Key element in Building Resilience to the Covid-19 Pandemic’’
Vachitaura nevatori venhau ,mutevedzeri wegurukota rinechoita nemadzimai,nharaunda nemakambani achiri kusimukira muzvare Jennifer Mhlanga vakati panodiwa kupiwa rutsigiro kusumudzira mabasa emadzimai kuti agounza budiriro munyika.
‘’madzimai vane chikamu chinosvika makumi mashanu nemaviri chevanhu vari mumyika ,uye chikamu chizhinji chavo vanogara kumaruwa.
‘’Madzimai nevanasikana vanotakura mutoro unorema pazuva nezuva pamusha asi zvisina mubhadharo wavano wana,zvakadaro vanoita basa guru kusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nemabasa okurima nokuwanisa zvokudya.Zvisinei nedenda reCovid-19 madzimai anoramba akatsungirira'
.Kusanduka kwemamiriro ekunze ndechimwe chimhingamupinyi chinosangana nemadzimai nevasikana izvo zvinodzerera mabasa avo kumashure nokuda kwekusanaya mvura.





Mhinduro (0)