Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakazivisa kuti sarudzo dzema By election dzichaitwa muchikamu chekutanga chegore rinouya 2022.
VaMnangagwa vakataura mashoko aya apo vaizarura mugwagwa uchangobva kuvandudzwa weKopa –Jopa kuChimanimani nezuro 10 Mbudzi 2021.
‘’Tichange tiine sarudzo dzema By-Elections muchikamu chekutanga chegore rinouya 2022,semusangano weZanu Pf ,tinoda kutsvaira zvinzvimbo zvose .’’
Zimbabwe ine zvinzvimbo zvinosvika zana nemakumi matatu nezvitatu zvisina vamiriri mudare reparamende pamwe nemakanzura.
Zvinzvimbo izvi zvakakonzerwa nevamwe vamiriri vakadzingwa nebato reMDC-T rinotungamirwa navaDouglas Mwonzora uye nendufu.





Mhinduro (0)