Jekeso

Kheshow murwere wepfungwa

Kheshow murwere wepfungwa
Thubelihle Kheshow

Murume wekuponda vanhu vanomwe kuStoneclaire mudhorobha reRedcliff mumwedzi waGumiguru murwere wepfungwa.

Thubelihle Kheshow uyo ane makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa akaongororwa nanachiremba akaonekwa pfungwa dzake dzisina kugadzikana.

Muchuchisi mudunhu reKwekwe muzvare Yeukai Magumba vakati ivo Kheshow akaongororwa akaonekwa ayine dambudziko repfungwa.

‘’Kheshow akawanikwa ayine dambudziko repfungwa nokudaro akaendeswa kujeri reUmlondolozi riri kuBulawayo ,kuitira kuti ambonobatsirwa ariko’’.

Kheshow akatarisana nemhosva yekuuraya ,kuda kuuraya pamwe nekubata chibharo.

Kupenga kwaKheshow chivanhu

'Kubvira mkomana uyu paakaenda kumusha kunoviga Ambuya vake ,haana kuzomboita zvakanaka.'

'Pane kukandidzana kwemashoko kwakavepo mumusha kwayisanganisa iye mukomana uyu,nokudaro zviri pachena kuti pane kushandisirana mushonga kwakavepo' yakadaro imwe hama yaKheshow isina kutaurwa nezita.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau