Jekeso

Ave madhora matatu kupinda munhandare yenhabvu

Ave madhora matatu kupinda munhandare yenhabvu

Sangano renhabvu yepamusoro munyika nhasi razivisa kuderedzwa kwemari yokuona mitambo munhandare dzenhabvu zvichtevera kunyunyuta kwakaitwa nevatsigiri vemutambo uyu

Mutsamba yanyorwa navanhasi 19 Mbudzi 2021 sangano rePremier Soccer League razivisa kuti kuderedza mari yekupinda munhandare kunotevera kutenderana kwavakaita nemamwe mapoka akakosha ane chokuita nenhabvu yemuno.

Sangano iri rinoti rinoshushikana zvikuru nekuomerwa kwakaita zvikwata zvenhabvu,zvichikonzerwa nedenda reCovid-19 .

Zvikwata izvi zvichiri kutatarika zvakare mugadziriro yemitambo yavo nenyaya yokushaikwa kwemari inokwanira .

Sangano rePSL rati iro kutanga svondo rino apo pachange pachitambwa maSemi –Final echibuku Cup mari yekuona mitambo ichange yakamira seizvi :Nhandare yose $3 ,Grand stand $5 uye VIP $10.

Vatsigiri vemitambo wenhabvu vakanyunyuta nokuda kwemari yayisvika $20 yokuona mutambo ,iyo yakazoderedzwa kuita $10 asi zvakadaro haina kugamuchirwa.

Mari iyi ichazenge ichitarisiswa zvakare gore rinouya ra2022.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau