Jekeso

Hurumende yakadumbirwa nemuitiro weBritain

Hurumende yakadumbirwa nemuitiro weBritain
Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa

Hurumende yeZimbabwe hayisi kufara nemuitiro wenyika yeBritain yayiri kupomera mhosva yokupindirira mune zviri kuitika mukati menyika.

Vachitura mashoko nezuro mauro emusi wa30 Mbudzi 2021,mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakanyunyuta nomuitiro wenyika iyi.Vakashoropodza Britain vachiti hayaifanira kukurukura maererano nenyika yeZimbabwe mumatare avo sezvo nyika iyi yakasununguka uye isiri pasi pehutongi hwavo.

‘’Zimbabwe inyika yakasununguka ,uye yakawana kuzvitonga kuzere mugore ra1980.’’

‘’Britain haina kodzero yokupindirira munezviri kuitika mukati menyika yakasununguka uye yakazvimirira’’

‘’tinonzwa kuti vakaita misangano nemasangano evamiriri vevashandi pamwe nevevarairidzi muHarare mumwedzi yadarika’’

‘’isu tichaongorora nyaya iyi zvizere kuti zvii zvaitora nzvimbo ‘’ vakadaro vaMnangagwa.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau