Kutengeswa kwemafuta edzimotokari mudzimba koita kuti voruzhinji vatyire kuti panogona kuti vamwe vawirwe nenjodzi yemoto kumisha inogara voruzhinji muKwekwe. Izvi zvinotevera kushomeka kuri kuita mafuta edzimotokari kumagaraji uko anotengeserwa.
Mutsvagiridzo yakaitwa nepepanhau rino,zvakabuda pachena kuti vamwe vave kurarama nokutengesa mafuta edzimotokari.
Kunetsa kuri kuita mafuta munyika yose zvayo koita kuti vamwe vaite mabhindauko okutengesa mafuta senzira yokuzviraramisa.
Mumwe murume anotengesa mafuta edhiziri mumusha unogara voruzhinji weMbizo uyo asina kuda kudomwa zita akati iye vanotenga mafuta edzimotokari mumadhiramu.
‘‘mafuta tinomatengera mumadhiramu ,ayo atinopota tichidira muzvigubhu zvatinotengesa zvishoma zvishoma’’
‘‘vedzimotokari vave kuziva dzimba dzinotengesa mafuta emotokari ,asi ma customer edu mazhinji tino shandisa nharembozha mukuita bhizimusi redu’’akadaro murume uyu.
Mumwe wevari mubhizimusi iri Steven Moyo ( zita remadunhurirwa) anoti eye kutengesa mafuta edzimotokari yave nzira itsva yokuzviraramisa nayo ‘’ini pandakamira kushanda kumafekitari ,bhizimusi rokutenga mafuta rakwanisa kuraramisa mhuri yangu’’
‘’Mafuka tinomatenga nemadhiramu kubva kumagaraji anotengesa mafuta ,uye dhiramu rimwe chete rinoita 30 dollars mari yekuAmerica yaunopa sepfumba muromo kune mutengesi wemafuta.’’akadaro Steven.Stella Marufu mudzimai anogara mumusha weAmaveni anoti pavanogara pane murume anotengesa mafuta emotokari ,asi vanotyira kuti rimwe zuva panogona kuita njodzi.
‘‘isu tine vana tinotyira kuti rimwe zuva vachatamba nemoto akaita njodzi ‘‘
uyewozve tanzwa nemweya wemafuta emotokari pamba hapachanakidzi kuswera’’ akadaro Stella.
Muguta reKwekwe kubva mazuva apfuura mafuta edzimotokari ari kunetsa kuwana .Pamagaraji mashoma paari kuwanikwa anenge achitengeswa nemari yokunze isingakwaniswi nevazhinji.
‘’magaraji ane mafuta edzimotokari ndeaya anotengesa nemari yokuAmerica.’’akadaro mumwe mutyairi.
Kuderera kuri kuita simba remari yemuno zvichienzaniswa neyekunze ndicho chikonzero mafuta aya ari kushomeke ,uye kunge achitengeswa pamisika mitema iyo inomatengesa nemari yakawanda.
‘’Vamwe vemagaraji vave netsika yokuti kana vawana mafuta vanongotengesa mafuta mashoma nemari yemuno asi imwe yose vanenge votengesa nemari yokunze.’’akadaro mumwe mudzimai asina kuda kudomwa nezita.
‘’Ini ndakarara pamutsetse wemafuta ,asi mangwana acho ndakashamisika kunzwa voti mafuta hapachina. Mamwe mafuta ndiwo ari kute ngeswa pamisika mitema ,achiengeserwa mudzimba.’’
Vane dzimotokari vari tsutsumwa nekuda kwematengeserwo ari kuita mafuta ,vokurudzira hurumende kuti iongorore matengeserwo anoitwa mafuta sezvo zvave kuzokonzera njodzi kana mafuta yaya akabatira moto zvikuru kumisha inogara voruzhinji.
Uyewo pakave nekurudziro kuti asave ose magaraji anotengesera mafuta edzimotokari mumadhiramu ,sezvo veruzhinji vasiri kuwaniswawo mukana wokutenga mafuta aya.
Kushaikwa kwemafuta munyika zvovhiringidza mabasa akatsaukana anoita kuti nyika ibudirire ,uyewo zviri kukonzera kuti zvigadzirwa zvipedzisire zvotengeswa pamisika nemuzvitoro nemari yepamusoro





Mhinduro (0)