Jekeso

Unity Accord yakave nheyo yerunyararo

Unity Accord yakave nheyo yerunyararo

Nyika inopemberera zuva re Unity Day nekuchengetedza kubatana nemushandira pamwe muzvirongwa zvinounza budiriro mumatunhu ose enyika.

Zuva iri rinorangarirwa makore ose ,sezuva rakakosha kubatanidza mhuri yeZimbabwe.

Musi wa 22 Zvita mugore ra1987 mapato maviri reZANU neZAPU akabatana akave bato rimwe chete.

Izvi zvinotevera kupokana kwakavepo nekuda kwekupesesana kwemaonero mune zvematongerwo enyika uye nezvemarudzi ,mushure mokunge nyika yawana kuzvitonga mugore ra1980.

Mhirizhonga iyo yakavepo kutanga mugore ra1983 ndiyo yakaita kuti vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika aya vaRobert Mugabe ZANU navaJoshua Nkomo ZAPU vanyorerane chibvumirano chinozivakanwa kuti Unity Accord musi wa22 Zvita 1987.

Pakaumbwa bato rimwe chete rinonzi Zimbabwe African National Union Patriotic Front (ZANU PF).

Chibvumirano ichi chakamisa zvachose kusawirirana kwakanga kwavepo nokurwisana uko kwaizivikana kuti Gukurahundi apo vanhu apo zviuru zvavanhu vakashaya mukurwisana.

Kushandidzana pamwe chete murunyararo kwakaita kuti Zimbabwe ikwanise kuvandudza mabasa ebudiriro mumnezveupfumi uyewo kuzvidzivirira mune zvematongerwo enyika.

Veruzhinji nhasi vanoyemura mabasa makuru akaitwa kuti munyika nhasi muve nerunyararo.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau