Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vazivisa nezvematanho atorwa mukuedza kudzivirira kupararira kweCovid-19 ,iyo yanga ichitaridzira kukwirira zvikuru mazuva adarika.
Zvikoro zvicharamba zvakavharwa kunze kweavo vari kunyora bvunzo dzematanho e O ne A,
‘’Kunze kwemakirasi ari kunyora bvunzo ayo achatangisa sokurehwa kwazvakaitwa nebazi redzidzo,hurongwa hwekuvhurwa kwezvikoro kuchambomiswa dzamara tizoziviswa zvakare.Makirasi ayo achange achienda kuchikoro anotarisirwa kuti vacherechedze noungwaru nzira dzokudzivirira kweveruzhinji’’
Vana vechikoro vanga vachitarisirwa kuvhura zvikoro musi wa10 Ndira 2022.





Mhinduro (0)