Vagari vemumisha mizhinji muguta reKwekwe voshaya rugare nokuda kwembavha dzamuka chibhembenenga.
Mbavha idzi dziri kuba midziyo yakatsaukana , kunyanya maBattery edzi motokari.
Mumusha we Fitchlea vaMpofu vakamutswa nokukweshera kwemashizha muberevere remba yavo.
‘’ ndakamuka ndanzwa kukweshera kwemashizha pamadziro , pedyo nefafutera remba yandinorara.
‘’Ndakachimbidza kumuka ndokudzima mwenje kuitira kuti ndidongorere panze ‘’
‘’Pandakati nditarire ndiye mahwekwe nemeso emunhu ayinge akapfeka ngundu yemashizha manyoro emuti’’
‘’chiriporipotyo akatendeuka ndokuti tsoka ndibereke ,ndakazomuka rungwanani ndichinan’anidza midziyo yangu wanike horse pipe ndiyo yakange yabiwa.’’ Vakadaro va Kumbulani Mpofu.
‘’Muvakidzani vangu akamuka mwenje yeSolar yaayinge akaturika pamapango esimbi kuti ivhenekere chivanze chake yabiwa’’ vakadaro.
Mumusha weMbizo vamwe varikubirwa nematsotsi anogarira mumigwagwa nenzira dzokugurira.
‘’Matsotsi ari kutora mukana wechibage chakura muminda pamwe chete neuswa hwareba ‘’ vakadaro Mai Brendon
Nzvimbo dzine mukurumbira wematsotsi dzinosanganisira pamugwagwa unoenda kuRailways pedyo ne misha 6 ,7 ne 8. Mugwagwa uri pedyo neMbizo stadium uye nemuna Maunganidze pedyo nenzvimbo yemabhizimusi yeMbizo 4.
Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare vakachengetedze dzimba dzavo uye varegedze kufamba vachishandisa nzira dzokudimurira kana kufamba pakati pousiku.





Mhinduro (0)