Mhirizhonga dzakanangana nevanhukadzi dzakakwirira zvikuru pasi rose kubvira pakatanga denda reCovid -19.
Sangano reUN Women rinoti rinoshunguridzika zvikuru nekuda kwehumbowo hunotaridza kukwirira kwemhirizhonga yakanangana nevanhukadzi kubvira pakatanga chirwere cheCovid 19.
Munyika ye yeUK rimwe svondo mumwedzi waKurume chikamu chinosvika makumi matanhatu neshanu 65% vakafona vachida rubatsiro panhare.
KuLebanon neMalaysia huwandu hwevanhukadzi vayitsvaga kubatsirwa kuburikidza nekuchaya nhare hwakavirika kaviri munguva imwe chete.
Nguva yeCovid 19 iri kuswededza vanhukadzi kure zvikuru apo pavanosangana nemhirizhonga vanoshaya vepedyo vanovabatsira.
Sangano iri rinoti zvakare vanhukadzi vanorarama nehurema ndivo vane mikana yakakwirira chaizvo yokusangana nemhirizhonga kana vachienzaniswa neavo vasina hurema.
Sangano reZACH (Zimbabwe Association of Church –Related Hospitals) mudunhu reKwekwe rinoti iro vanhurume nevanhukadzi vose vakawirwa nemhirizhonga ,kunyange hazvo vanhukadzi vari iwo vakawanda.
Kusagadzikana mune zve upfimi uko kwakasangana nenhanho yakatorwa nehurumende kuti vanhu vagare mudzimba senzira yokudzivirira Covid 19 (Lockdown) kuri kupesvedzerawo kukwirira kwemhirizhonga dzemudzimba.Vanhurume vanopedzisira vopedzera shungu dzavo mukushungurudza kana kurova vanhukadzi.
‘’kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga kwakakwirira munguva yeLockdown ,kana tichienzanisa nemwedzi miviri yokutanga kwegore rino’’ vakadaro muzvare Nqabekile Ncube avo vanoona nezvezvirongwa zveSangano iri mudunhu reKwekwe.
Vakatiwo imwe nyaya iri kuvashungurudza ndeye mashoko ekuti huwandu hwevana vari kuroodzwa mudunhu iri huri kuramba huchikwirira uye kunetsa kuri kuita zvokufambisa kononotsa avo vanenge vachida kuwana rubatsiro nekukasira.
‘’nechikonzero chokuti vana havasi kuenda kuchikoro ,vamwe vavo pane mashoko ekuti vave kupedzisira vachitizira mukumbo kunyange hazvo vachine vazero achiri pasi’’
‘’uyewo dambudziko rezvekufambisa ,zvikuru kune vanogara kumaruwa zvoita kuti avo vanenge vasangana nemhirizhonga vanonoke kuwana rubatsiro,vakadaro muzvare Ncube.
Sangano iri rakati rino shambadzira zvirongwa zvinokurudzira kuti vanhu vagarisane ,uye vasiyane nekuita mhirizhonga.
Madzimai anokurudzirwa kuti vasagarire maoko nokungotarisira kuvanhurume ,asi kuti navowo vaite mabhindauko anovapa pundutso.





Mhinduro (0)