Jekeso

Miripo yeZEC chimhingamupinyi kuvanhukadzi

Miripo yeZEC chimhingamupinyi kuvanhukadzi
Madzimai vekumaruwa muZimbabwe

Sangano rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika reZimbabwe Election Commission (ZEC)rakazivisa miripo yeavo vanoda kukwikwidza musarudzo dzegore rinouya 2023 muzvidanho zvakatsaukana,kunyange hazvo vamwe vachinyunyuta kuti miripo iyi kuvharira voruzhinji panze zvikuru vanhukadzi avo vagara vakasarira mune zveupfumi.

Kukwikwidza pachigaro chokuva mutungamiri wenyika panodiwa mari madhora zviuru makumi maviri (Usd 20 000)emari yekuAmerika.

Kuve mumiriri mudare reparamende panodiwa madhora chiuru (Usd 1000) uyewo kuve Senator kana kupinda musarudzo dzekanzuru panodiwa zana remadhora (Usd100) pamunhu.

Mari iyi yakakwira zvakapetwa zvikamu zvinodarika chiuru.

Kukwidzwa kwemiripo iyi kuri kutarisirwa kuunza mutsauko mukuru kana zvichienzaniswa nesarudzo dzegore ra2018 apo paiva nenhengo dzinosvika makumi maviri nevatatu vaikwikwidza chigaro chokuve mutungamiri wenyika.

Vari mune zvematongerwo enyika uye mamwe masangano anoona nezvekufambiswa kwesarudzo varikutaridzira miono yakasiyana maererano nemiripo iyi.

Mutungamiri webato reMDC-T vaDouglas Mwonzora vakati ivo danho iri rakanaka chose sezvo richapepeta nokusiya avo vanemapato ane rutsigiro rweveruzhinji ari mudariro

‘’kukwidzwa kwakaita miripo i way yokusefa macandidates kana muine support yenyu yokuti munokwanisa kuita a President ,even mukaita madonations chaiwo,mudememudeme kuti munhu ngaabvise dhora kuma party members inofanira kukwana mari iyoyo kana isingakwani manje zvinoreva kuti muri kupedzera vamwe nguva’’ vakadaro .

Asi mutungamiri webato reNCA VaLovemore Madhuku vari kupokana nemukwidzirwo wemiripo iyi vachiti ivo uku kungava kutyorwa bumbiro remutemo kana vacho vanoda kukwikwidza vasingakwanise mari inodiwa musarudzo.

Sangano reElection Resource Centre naro rakanyora mashoko ekushushikana nokuda kwekukwira kwemiripo inosanganisira varikuda kukwikwida musarudzo,yeavo vachada kuongorora kufambiswa kwesarudzo uye nokuwanikwa kwegwaro revanovhota .

ERC inoti miripo iyi hayitaridzire kusimudzira nyaya yejekerere mukufambiswa kwesarudzo.

Vanhukadzi avo vanogara vakasarira zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika navo rwendo rwuno vanogona kusangana nematambudziko sezvo vagara vachisangana nematambudziko ekushaya mari.

Zvikamu zvishoma zvemadzimai vane zvigaro zvepamusoro mune zvematongerwo enyika ,zvikuru mudare reparamende uye nekumakanzura

izvi zvinoita kuti matambudziko avanosangana nawo mukurarama arambe aripo nokudaka kwekushaya vanonzwisisa nhuna dzavo

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau