Jekeso

Vanohodha mabhero vemuKwekwe vakarasikirwa nezviuru gumi zvemadhora

Vanohodha mabhero vemuKwekwe vakarasikirwa nezviuru gumi zvemadhora

Vanohodha mabhero vemukwekwe varikufungidzirwa kuti vakarasikirwa nemari inodarika zviuru gumi zvemadhora yekuAmerika mushure mokunge mabhero avo abatwa neveZimra musi wa 1 Gunyana 2022 KwaMutare.

Vazhinji avo vave kurarama nekutengesa mbatya muguta reKwekwe vasara vasina pokubata mushure mokutumirwa mashoko ekuti mabhero avo avakange vabhadharira ,akabatwa neveZimra.

‘’Maswera sei hama dzangu ?.Vabereki I am very sorry kukuzivisai kuti motor ine stuff yabatwa nhasi maMutare and we have been negotiating navo since pazvaitika hoping for the best but so far zvarema vabereki, motor itori muZimra izvozvi.Very sorry vabereki asi ngatishingei kunamata.’’

‘’Ndinovimba muchazviona paTV or mumabepanhau ,tashaya kana mukana wekutora mapics because yanga iri hondo chaiyo maitikiro azvo’’ akadaro mashoko akatumirwa paWhatsapp group.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police akatsinhidzira nezve nyaya iyi padandemutande reTwitter apo pakaziviswa kuti musi wa 1 Gunyana 2022 ,Johannes Mudziwepasi (34) naJohn Mutiwazhwuka (35) vakasungwa pagaraji kunzvimbo yema indasitiri yeNyakamete ,mushure mokupinza mabhero mazana maviri nemakumi masere nemana (284) ayo asingatendedzwi munyika.

Mabhero ayo anopinzwa munyika zvirikunze kwemutemo anobva nekuMozambique achipinda kazhinji nemamuganhu weForbes.

Mumwe muidzimai asina kuda kuzivikanwa nezita anoti iye ari kushushikana zvikuru nokuda kwechiitiko ichi sezvo akarasikirwa nemari inodarika mazana matanhatu yaainge abatisa kuti atengerwe mabhero embatya.

‘’handizivi kuti ndichaita sei ,handina pokutangira .Ndanga ndichitarisira kuti mabhero achasvika ndigotengesa kuti ndiwane mari yevana vechikoro nekubhadhara rent ,asi zvose zvapinda musango.’’

‘’Ndakambofunga kuti dzimwe nguva vatakatuma pane chitsotsi chavakaita ,asi ndazoona kuti pachokwadi pane mabhero akabatwa neZimra kwaMutare.Ndarwadziwa zvikuru.’’

‘’Ndichiri kudemba kuti dai ndisina hangu kutumira mari yose iyi,asi ndaifungawo kuti dzimwe nguva ndiko kuti ndiwane mari yakawanda ,asi zvakona n’anga murapwa achida’’ akadaro mudzimai uyu.

Vazhinji vanotengesa mabhero vane vanhu vavanobatisa mari dzavo kuti vanovatengera nokuvauyisira kudzimba dzavo.

Nokuda kwekushomeka kwemabasa vazhinji vave kutengesa mabhero mumaguta ,uyewo mbatya idzi dzine mutengo wakaderera zvinoita kuti munhu akwanise kusimira zvakatsarukana.

Mutemo hausi kutendedza kupinzwa kwembatya idzi munyika kunyange hazvo riri bhizimusi rapfumbira munyika yose.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau