Jekeso

Dare guru muKenya rinotsinhira kukunda kwavaRuto

Dare guru muKenya rinotsinhira kukunda kwavaRuto
Vatsigiri vavaRuto kuKenya

Dare guru muKenya ratsinhidzira kuti va William Samoei Ruto ndivo vakakunda musarudzo mushure mokunge va Raila Amolo Odinga nevamwe vakapikisa zvakabuda ,vachiti pane pasina kufambiswa zvakanaka.

Musarudzo idzo dzakaitwa musi wa 9 Nyamavhuvhu 2022 vaRuto vakakunda nezvikamu makumi mashanu nechidimbu (50.5%) uye va Odinga vakawana zvikamu makumi mana nezvisere nezvidimbu zvisere kubva muzana(48.8%).

Chief Justice Martha Koome vakamiririra vamwe vatongi vasere vakarasira kure nyaya dzokunenedzera kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo idzi vachiti ivo hapana humbowo hwakati tsvikiti hunotsigira kana kutaridzira kusafambiswa zvakanaka kwakaitwa sarudzo idzi.

Dare iri rakati umwe humbowo hwakauyiwa nahwo kudare hwaive hwekunungiridza uye pasina chokwadi ,nokudaro rakayambira kuti muitiro uyu wainge usina kunaka.

vaRuto avo vane makore makumi mashanu nemashanu (55) ekuberekwa vachagadzwa kuve mutungamiri wenyika iyi wechishanu vachitevera va Uhuru Kenyatta.

Vakazivisawo kuti vaizoshanda pamwe chete nevose vavaikwikwidzana navo mukuitira kuumba nyika yavo nokushandidzana pamwe chete.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau