Sangano rinomirira kodzero dzengochani muZimbabwe reGALZ ( Gays and Lesbians of Zimbabwe )rorwira kodzero dzenhengo dzaro idzo rinoti dziri kusangana nerusaruro zvoita kuti vasarire muzvirongwa zvakakosha.
Izvi zvakabuda pamusangano wakarongwa nesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe (VMCZ) wakaitirwa muguta reKwekwe musi wa27 Gumiguru 2022, uyo wayi zeya kodzero dzemapoka madiki anosanganisira vana , madzimai pamwe nengochani.
Pamusangano uyu zvakave pachena kuti pachine kusagamuchirwa kuripo maererano nekodzero uye magariro engochani munyika.
Izvi zvinoteverawo kushungurudzwa kwavayiitwa panguva yehutongi hwava Robert Mugabe avo vaive vakarimirana muganhu neboka iri.
Bumbiro remutemo wenyika rinorambidza kuroorana uye muchato we ngochani, zvinova zvinotorwa neruzhinji sekurambidzwa kwe chingochani zvinozoita kuti ngochani dzisare dziri pachena
Vari mune zvematongerwo enyika vamwe vavo vanosandisa mashoko asina kunaka ,zvikuru pavanenge vachitswaga rutsigiro izvo zvinoita kuti ngochani dzionekwe sechiseko.
Vachitaura vakamirira sangano re Galz vaSylvester Nyamatendedza vakatsinhidzira kuti hakuna anosarudza kuzvarwa ari ngochani ,asi kuti chimiro munhu anosikwa ayinacho maari.
Vakati ivo rusaruro runopiwa nhengo dzeboka iri rwakangofanana nerusaruro rwerudzi kana rusaruraganda. Uyewo mutauro unoshandiswa nevamwe unopeswedzera ruvengo rwakanyanyisa kunhengo dzeboka iri.
VaNyamatendedza vakati nokuda kwekusagamuchirwa kwenhengo dzavo vazhinji vave kungorarama muchinyararire vasingabudi pachena.
Pachine zvizhinji zvinoda kuitwa kuti veruzhinji vanzwisise nekugamuchira kucherechedzwa kwe kodzero dzeboka iri kufanana nezvinoitwawo kune mamwe mapoka madiki.





Mhinduro (0)