Jekeso

Voruzhinji vorambidzwa kupinda muguta

Voruzhinji vorambidzwa kupinda muguta

Muguta reKwekwe nhasi 17 Chikumi 2020 vanhu vazhinji vadzorerwa kudzimba , izvo zvaita kuti zvitoro nevamabhizimusi vasakwanise kuvhura.

Vazhinji vanga vachishandisa migwagwa inonyenyeredza guta sezvo mauto anonzi anga achidya rukwenzi

Vagari vari kukahadzika nekusanzwisisa kuti chii chiri kuitika.

Hapana mashoko ati avepo kutsvanangura chiitiko ichi.

Hurumende mazuva adarika yakatendera kuti vemabhizimusi vachitanga kushanda ,mushure mokunge vambomiswa nokuda kwechirwere cheCovid 19.

Nzara ndiyo iri kunyanyo kushungurudza voruzhinji sezvo mwaka wadarika kusina kuwanikwa goho rakanaka , uyewo kukwira kwemitengo yezvokudya iyo yoramba yoita chamuramba mhuru.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau