Jekeso

VaMthuli vakatura mashandisirwo achaitwa mari yegore ra2023

VaMthuli vakatura mashandisirwo achaitwa mari yegore ra2023
Gurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube musi wa24 Mbudzi 2022 vakatura bhajeti regore rinouya reZWL4.2 trillion vachitarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvitatu nechidimbu kubva muzana (3,5%).

VaNcube vakati hurumende inotarisira kuwana ZWL$3.9 trillion dollars yemuno asi inotarisira kushandisa ZWL$4.2 trillion uye vanenzira dzavachandisa kuti mari iyi ikwane.

Vakati zvinangwa zvikuru zvebhajeti ravo zvinosanganisira kutsigira mabasa ekurima, kusimudzira mabasa ezvicherwa, hutano nedzidzo.

Vakati nekuda kwaizvozvo vapa mari yakawanda kubazi redzidzo yepasi.

Basi redzidzo yepasi rapihwa ZWL$631 billion yemadhora emuno inova mari yakawanda kudarika mamwe mapazi.

Pamakomisheni ese Zimbabwe Electoral Commission ndiyo yawana mari yakawanda, 76 billion. yemadhora emuno kuti igadzirire sarudzo dzegore rinouuya.

VaNcube vakatora mamwe matanho ekuwedzera kana kubvisa mitero yakaita seValue Added Tax iyo yawedzerwa kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.

Vakadzorawo mutero pachikafu chinotengwa kunze kwenyika. Mutero uyu wainge wambobviswa senzira yekurerutsira veruzhinji kuti vatenge chikafu chinemutengo uri pasi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau