Jekeso

VaRamaphosa vanosarudzwa kutungamira ANC rwepiri

VaRamaphosa vanosarudzwa kutungamira ANC rwepiri
vaCyril Ramaphosa

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa uye vari mutungamiri vebato reANC VaCyril Ramaphosa vasarudzwa zvekare kuti vatungamire bato iri kepiri.

Bato reANC range richiita musangano wekutsvaga vatungamiri vatsva kana kuti National Elective Conference muJohahanesburg.

VaRamaphosa vakunda VaZweli Mkize vaimbova gurukota rezvehutano. Vaita mutevedzeri wavo ndiVaPaul Mashatile uye asarudzwa kuva munyori mukuru ndiVaFikile Mbalula

Svondo rapera VaRamaphosa vakapona munyatwa yavange vatarisana nayo yekuti vabviswe pachigaro nedare reparamende nenyaya yehuwori yavari kupomerwa mushure mekubiwa kwemari kupurazi ravo yainge yakavigwa musofa.

Dare revanhu vatatu rakaumbwa neparamende kuvaferefeta nyaya iyi rakati vanogona kunge vakapara mhosva dzavari kupomerwa dzekupamba nekubhadhara vhara muromo kuti nyaya iyi isabuditswe.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau