Jekeso

Mutungamiri wenyika vokurudzira kubatana

Mutungamiri wenyika vokurudzira kubatana

Zimbabwe nezuro yakacherechedza makore makumi matatu nemashanu panyoreranwa chibvumirano chekubatana, Unity Accord pakati pemapato makuru eZanu PF ne PF Zapu, mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti munyika munofanira kugara mune runyararo uye sarudzo hadzifaniri kushandiswa kukonzera kupokana nemhirizhonga munyika.

Mumashoko avo ekucherechedza zuva iri, VaMnangagwa vakatenda basa guru rakaitwa nevaive mutungamiriri weZANU, VaRobert Mugabe pamwe nevaive mutungamiriri wePF ZAPU, VaJoshua Nkomo apo vakaisana Unity Accord musi wa22 Zvita muna 1987 vachiisa parutivi kupokana kwavo uko kwakonzera kufa kwevanhu vanodarika zviuru makumi maviri mumatunhu eMidlands neMatabeleland.

VaMnangagwa vakati chibvumirano ichi chakaunza runyararo munyika uye runofanira kuchengetedzwa.

VaMnangagwa vakatiwo hurumende yavo iri kushandisa madzishe kuti agadzirise matambudziko akakonzerwa nekupokana panguva yeGukurahundi.

VaMnangagwa vakatiwo sarudzo hadzifaniri kushandiswa kukonzera kupokana nemhirizhonga munyika vachiti vana veZimbabwe vanofanira kuisa zvido zvenyika yavo pamberi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau