Jekeso

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira Pele ashaya

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira Pele ashaya

Mutambi wenhabvu akaita mukurumbira Edson Arantes do Nascimento wenyika ye Brazil, uyo ayizivikanwa kuti Pele ashaya nhasi ,china 29 Zvita 2022.

Ashaya ari muchipatara che Albert Einstain muguta re Sao Paulo , anga ave nemakore makumi masere nemaviri (82)ekuberekwa.

Muna Mbudzi akaendeswa kuchipatara achitambudzwa negomarara remudumbu.

Pamakore ake okutamba nhabvu akazivikanwa zvikuru nekumwisa zvibodzwa zvizhinji ,izvowo zvakaita kuti nyika yake igone kutora mikombe yeWorld Cup kanokwana katatu.

Anozivikanwawo nokumwisa zvibodzwa makumi manomwe nezvinomwe (77)pamitambo makumi mapfumbamwe nemiviri (92)muchikamu chemitambo mikuru yepasi rose.

Mushure mokuzorora kutamba nhabvu Pele akave gurukota rinoona nezvemitambo munyika yake uye wo ayishanda nesangano re UNESCO nokuda kwekuzvipira kwake kusimudzira mitambo zvikuru kuvana vanoshaya.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau