Jekeso

Hurumende inowedzera vashandi vayo mari

Hurumende inowedzera vashandi vayo mari

Hurumende yazivisa mashoko okuti iyo yawedzera mari inotambiriswa vashandi vayo pamwe nevari pamudya ndigere kutanga mwedzi uno nezvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%).

Hurumende yazivisawo kuti vashandi vayo vachange vachitambiriswawo mari yekuAmerica madhora makumi manomwe nemashanu (USD75)iri allowance ye Covid 19 kwe mwedzi mitatu kutanga mwedzi uno.

Vari pamudya ndigere vachatambirawo madhora makumi matatu ekuAmerica (USD30) seAllowance zvakare. Nokudaro vose ava vanotarisirwa kuti vavhure ma FCA/Nostro accounts kuitira kuti vagokwanisa kutambira mari iyi.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau