Vaimbove kutungamiri weKereke yeRoma pasi rose Pope Emeritus Benedict XVI vashaya nhasi mangwanani ,31 Zvita 2022 kuVatican.
Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu (95) ekuberekwa
Mashoko ari kubva kumuzinda wekereke iyi kuVatican anoti Pope Francis ndivo vachatungamira pamunamato wokuradzika Pope Emeritus Benedict XVI musi wa 5 Ndira 2023 ku St Peter’s Square.
Pope Benedict XVI vakasarudzwa kutungamira Kereke iyi musi wa 19 Kubvumbi 2005, asi vakazosarudza kusiya hutungamiri mugore ra 2013
.Panguva yehutungamiri hwavo vakasangana nekutsoropodzwa nenyaya yokukundikana kutora matanho akasimba kugadzirisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana mukereke iyi nevamwe vatungamiri





Mhinduro (0)