Pope Emeritus Benedict XVI, avo vakambotungamira kereke yeRoman Catholic, varadzikwa musi we china 06 Ndira 2023 kumarinda ari pasi pemuzinda weVatican mushure memunamato wekuonekana navo watungamirwa naPope Francis.
Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vakaungana panze peSt. Peter’s Basillica vachionekana naPope Benedict apo bhokisi ranga riine mutumbi wavo rakatakurwa nekuiswa patafura kana kuti altar.
Pope Francis vakatura mashoko anobata pamusoro pemabasa akaitwa naPope Benedict vasati vasiya basa pamwe nemukurarama kwavo.
Kunyange hazvo veruzhinji vachinzi vari kubatikana nekushaya kwavo, zvinonzi kune vamwewo vari kunyunyuta nemabatiro avanonzi vakaita nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu mukereke yeCatholic Church nemamwe mabhishopi.





Mhinduro (0)